# he/Hebrew.xml.gz
# sn/Shona.xml.gz
(src)="b.GEN.1.1.1"> בראשית ברא אלהים את השמים ואת הארץ ׃
(trg)="b.GEN.1.1.1"> Pakutanga Mwari akasika denga nenyika .
(src)="b.GEN.1.2.1"> והארץ היתה תהו ובהו וחשך על פני תהום ורוח אלהים מרחפת על פני המים ׃
(trg)="b.GEN.1.2.1"> Nyika yakanga isina kugadzirwa , isina chinhu ; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika ; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura .
(src)="b.GEN.1.3.1"> ויאמר אלהים יהי אור ויהי אור ׃
(trg)="b.GEN.1.3.1"> Mwari akati : Chiedza ngachivepo , chiedza chikavapo .
(src)="b.GEN.1.4.1"> וירא אלהים את האור כי טוב ויבדל אלהים בין האור ובין החשך ׃
(trg)="b.GEN.1.4.1"> Mwari akaona chiedza , kuti chakanaka ; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima .
(src)="b.GEN.1.5.1"> ויקרא אלהים לאור יום ולחשך קרא לילה ויהי ערב ויהי בקר יום אחד ׃
(trg)="b.GEN.1.5.1"> Mwari akatumidza chiedza , akati Masikati , nerima akaritumidza akati Usiku .
(trg)="b.GEN.1.5.2"> Madeko akavapo , namangwanani akavapo , zuva rimwe .
(src)="b.GEN.1.6.1"> ויאמר אלהים יהי רקיע בתוך המים ויהי מבדיל בין מים למים ׃
(trg)="b.GEN.1.6.1"> Mwari akati : Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura , kuti iparadzanise mvura nemvura .
(src)="b.GEN.1.7.1"> ויעש אלהים את הרקיע ויבדל בין המים אשר מתחת לרקיע ובין המים אשר מעל לרקיע ויהי כן ׃
(trg)="b.GEN.1.7.1"> Mwari akaita nzvimbo , akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo , nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo ; zvikaita saizvozvo .
(src)="b.GEN.1.8.1"> ויקרא אלהים לרקיע שמים ויהי ערב ויהי בקר יום שני ׃
(trg)="b.GEN.1.8.1"> Mwari akatumidza nzvimbo , akati Denga .
(trg)="b.GEN.1.8.2"> Madeko akavapo , namangwanani akavapo , zuva repiri .
(src)="b.GEN.1.9.1"> ויאמר אלהים יקוו המים מתחת השמים אל מקום אחד ותראה היבשה ויהי כן ׃
(trg)="b.GEN.1.9.1"> Mwari akati : Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete , kuti pasi pakaoma paonekwe ; zvikaita saizvozvo .
(src)="b.GEN.1.10.1"> ויקרא אלהים ליבשה ארץ ולמקוה המים קרא ימים וירא אלהים כי טוב ׃
(trg)="b.GEN.1.10.1"> Mwari akatumidza pasi pakaoma , akati Nyika ; nemvura yakaungana akaitumidza , akati Makungwa ; Mwari akaona kuti zvakanaka .
(src)="b.GEN.1.11.1"> ויאמר אלהים תדשא הארץ דשא עשב מזריע זרע עץ פרי עשה פרי למינו אשר זרעו בו על הארץ ויהי כן ׃
(trg)="b.GEN.1.11.1"> Mwari akati : Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu , nemiti inobereka michero inamarudzi ayo , mbeu dzayo dziri mukati mayo , panyika ; zvikaita saizvozvo .
(src)="b.GEN.1.12.1"> ותוצא הארץ דשא עשב מזריע זרע למינהו ועץ עשה פרי אשר זרעו בו למינהו וירא אלהים כי טוב ׃
(trg)="b.GEN.1.12.1"> Nyika ikameresa uswa , nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo , nemiti inobereka michero , mbeu dzayo dziri mukati mayo , inamarudzi ayo ; Mwari akaona kuti zvakanaka .
(src)="b.GEN.1.13.1"> ויהי ערב ויהי בקר יום שלישי ׃
(trg)="b.GEN.1.13.1"> Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu .
(src)="b.GEN.1.14.1"> ויאמר אלהים יהי מארת ברקיע השמים להבדיל בין היום ובין הלילה והיו לאתת ולמועדים ולימים ושנים ׃
(trg)="b.GEN.1.14.1"> Mwari akati : Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga , kuti zviparadzanise masikati nousiku ; kuti zvive zviratidzo , nenguva , namazuva , namakore ;
(src)="b.GEN.1.15.1"> והיו למאורת ברקיע השמים להאיר על הארץ ויהי כן ׃
(trg)="b.GEN.1.15.1"> ngazvive zviedza panzvimbo yedenga , kuti zvivhenekere panyika ; zvikaita saizvozvo .
(src)="b.GEN.1.16.1"> ויעש אלהים את שני המארת הגדלים את המאור הגדל לממשלת היום ואת המאור הקטן לממשלת הלילה ואת הכוכבים ׃
(trg)="b.GEN.1.16.1"> Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri ; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati , nechiedza chiduku , kuti chibate ushe usiku , nenyeredziwo .
(src)="b.GEN.1.17.1"> ויתן אתם אלהים ברקיע השמים להאיר על הארץ ׃
(trg)="b.GEN.1.17.1"> Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga , kuti zvivhenekere panyika ,
(src)="b.GEN.1.18.1"> ולמשל ביום ובלילה ולהבדיל בין האור ובין החשך וירא אלהים כי טוב ׃
(trg)="b.GEN.1.18.1"> zvibate ushe masikati nousiku , nokuparadzanisa chiedza nerima ; Mwari akaona kuti zvakanaka .
(src)="b.GEN.1.19.1"> ויהי ערב ויהי בקר יום רביעי ׃
(trg)="b.GEN.1.19.1"> Madeko akavapo , namangwanani akavapo , zuva rechina .
(src)="b.GEN.1.20.1"> ויאמר אלהים ישרצו המים שרץ נפש חיה ועוף יעופף על הארץ על פני רקיע השמים ׃
(trg)="b.GEN.1.20.1"> Mwari akati : Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji , neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga .
(src)="b.GEN.1.21.1"> ויברא אלהים את התנינם הגדלים ואת כל נפש החיה הרמשת אשר שרצו המים למינהם ואת כל עוף כנף למינהו וירא אלהים כי טוב ׃
(trg)="b.GEN.1.21.1"> Mwari akasika mhuka huru dzegungwa , nezvipenyu zvose zvinokambaira , izvo mvura yakanga izere nazvo , zvina marudzi azvo , neshiri dzose dzina mapapiro , dzina marudzi adzo ; Mwari akaona kuti zvakanaka .
(src)="b.GEN.1.22.1"> ויברך אתם אלהים לאמר פרו ורבו ומלאו את המים בימים והעוף ירב בארץ ׃
(trg)="b.GEN.1.22.1"> Mwari akazviropafadza , akati : Berekai , muwande , muzadze mvura iri mumakungwa ; neshiri ngadziwande panyika .
(src)="b.GEN.1.23.1"> ויהי ערב ויהי בקר יום חמישי ׃
(trg)="b.GEN.1.23.1"> Madeko akavapo , namangwanani akavapo , zuva reshanu .
(src)="b.GEN.1.24.1"> ויאמר אלהים תוצא הארץ נפש חיה למינה בהמה ורמש וחיתו ארץ למינה ויהי כן ׃
(trg)="b.GEN.1.24.1"> Mwari akati : Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo , nezvipfuwo , nezvinokambaira , nemhuka dzenyika , zvina marudzi azvo ; zvikaita saizvozvo .
(src)="b.GEN.1.25.1"> ויעש אלהים את חית הארץ למינה ואת הבהמה למינה ואת כל רמש האדמה למינהו וירא אלהים כי טוב ׃
(trg)="b.GEN.1.25.1"> Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo , nezvipfuwo zvina marudzi azvo , nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo ; Mwari akaona kuti zvakanaka .
(src)="b.GEN.1.26.1"> ויאמר אלהים נעשה אדם בצלמנו כדמותנו וירדו בדגת הים ובעוף השמים ובבהמה ובכל הארץ ובכל הרמש הרמש על הארץ ׃
(trg)="b.GEN.1.26.1"> Mwari akati : Ngatiite munhu nomufananidzo wedu , akafanana nesu ; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa , napamusoro peshiri dzedenga , napamusoro pezvipfuwo , napamusoro penyika yose , napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika .
(src)="b.GEN.1.27.1"> ויברא אלהים את האדם בצלמו בצלם אלהים ברא אתו זכר ונקבה ברא אתם ׃
(trg)="b.GEN.1.27.1"> Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari ; akavasika murume nomukadzi .
(src)="b.GEN.1.28.1"> ויברך אתם אלהים ויאמר להם אלהים פרו ורבו ומלאו את הארץ וכבשה ורדו בדגת הים ובעוף השמים ובכל חיה הרמשת על הארץ ׃
(trg)="b.GEN.1.28.1"> Mwari akavaropafadza , Mwari akati kwavari : Berekai , muwande , muzadze nyika , mubate ushe pairi ; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa , napamusoro peshiri dzedenga , napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika .
(src)="b.GEN.1.29.1"> ויאמר אלהים הנה נתתי לכם את כל עשב זרע זרע אשר על פני כל הארץ ואת כל העץ אשר בו פרי עץ זרע זרע לכם יהיה לאכלה ׃
(trg)="b.GEN.1.29.1"> Mwari akati : Tarirai , ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu , iri panyika yose , nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu , kuti zvive zvokudya zvenyu .
(src)="b.GEN.1.30.1"> ולכל חית הארץ ולכל עוף השמים ולכל רומש על הארץ אשר בו נפש חיה את כל ירק עשב לאכלה ויהי כן ׃
(trg)="b.GEN.1.30.1"> Mhuka dzose dzenyika , neshiri dzose dzedenga , nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika , zvinemweya woupenyu , ndakazvipa miriwo yose minyoro , kuti zvive zvokudya zvazvo ; zvikaita saizvozvo .
(src)="b.GEN.1.31.1"> וירא אלהים את כל אשר עשה והנה טוב מאד ויהי ערב ויהי בקר יום הששי ׃
(trg)="b.GEN.1.31.1"> Mwari akaona zvose zvaakaita , onei zvakanaka kwazvo .
(trg)="b.GEN.1.31.2"> Madeko akavapo , namangwanani akavapo , zuva retanhatu .
(src)="b.GEN.2.1.1"> ויכלו השמים והארץ וכל צבאם ׃
(trg)="b.GEN.2.1.1"> Denga nenyika zvikapera saizvozvo , nouzhinji hwazvo .
(src)="b.GEN.2.2.1"> ויכל אלהים ביום השביעי מלאכתו אשר עשה וישבת ביום השביעי מכל מלאכתו אשר עשה ׃
(trg)="b.GEN.2.2.1"> Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe ; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita .
(src)="b.GEN.2.3.1"> ויברך אלהים את יום השביעי ויקדש אתו כי בו שבת מכל מלאכתו אשר ברא אלהים לעשות ׃
(trg)="b.GEN.2.3.1"> Mwari akaropafadza musi wechinomwe , akauita mutsvene ; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose , raakanga asika nokuita iye Mwari .
(trg)="b.GEN.2.3.2"> Kusikwa kwavanhu vokutanga nokuiswa kwavo muEdheni
(src)="b.GEN.2.4.1"> אלה תולדות השמים והארץ בהבראם ביום עשות יהוה אלהים ארץ ושמים ׃
(trg)="b.GEN.2.4.1"> Ndiko kuvamba kwedenga nenyika , musi wazvakasikwa : Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga ,
(src)="b.GEN.2.5.1"> וכל שיח השדה טרם יהיה בארץ וכל עשב השדה טרם יצמח כי לא המטיר יהוה אלהים על הארץ ואדם אין לעבד את האדמה ׃
(trg)="b.GEN.2.5.1"> makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika , nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera ; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika , uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi ;
(src)="b.GEN.2.6.1"> ואד יעלה מן הארץ והשקה את כל פני האדמה ׃
(trg)="b.GEN.2.6.1"> asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose .
(src)="b.GEN.2.7.1"> וייצר יהוה אלהים את האדם עפר מן האדמה ויפח באפיו נשמת חיים ויהי האדם לנפש חיה ׃
(trg)="b.GEN.2.7.1"> Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu , akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake ; munhu akava mweya mupenyu .
(src)="b.GEN.2.8.1"> ויטע יהוה אלהים גן בעדן מקדם וישם שם את האדם אשר יצר ׃
(trg)="b.GEN.2.8.1"> Jehovha Mwari akasima munda muEdheni , kumabvazuva , akaisapo munhu waakanga aumba .
(src)="b.GEN.2.9.1"> ויצמח יהוה אלהים מן האדמה כל עץ נחמד למראה וטוב למאכל ועץ החיים בתוך הגן ועץ הדעת טוב ורע ׃
(trg)="b.GEN.2.9.1"> Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso , neyakanaka kudya ; uye muti woupenyu pakati pomunda , nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa .
(src)="b.GEN.2.10.1"> ונהר יצא מעדן להשקות את הגן ומשם יפרד והיה לארבעה ראשים ׃
(trg)="b.GEN.2.10.1"> MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo , rukaparadzana ipapo , dzikaita hova ina .
(src)="b.GEN.2.11.1"> שם האחד פישון הוא הסבב את כל ארץ החוילה אשר שם הזהב ׃
(trg)="b.GEN.2.11.1"> Zita rorwokutanga ndiPishoni ; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira , pane ndarama ipapo ;
(src)="b.GEN.2.12.1"> וזהב הארץ ההוא טוב שם הבדלח ואבן השהם ׃
(trg)="b.GEN.2.12.1"> ndarama yenyika iyoyo yakanaka ; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi .
(src)="b.GEN.2.13.1"> ושם הנהר השני גיחון הוא הסובב את כל ארץ כוש ׃
(trg)="b.GEN.2.13.1"> Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni ; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi .
(src)="b.GEN.2.14.1"> ושם הנהר השלישי חדקל הוא ההלך קדמת אשור והנהר הרביעי הוא פרת ׃
(trg)="b.GEN.2.14.1"> Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri , ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria .
(trg)="b.GEN.2.14.2"> Rwizi rwechina ndiYufuratesi .
(src)="b.GEN.2.15.1"> ויקח יהוה אלהים את האדם וינחהו בגן עדן לעבדה ולשמרה ׃
(trg)="b.GEN.2.15.1"> Jehovha Mwari akatora munhu , akamuisa mumunda weEdheni , kuti aurime nokuuchengeta .
(src)="b.GEN.2.16.1"> ויצו יהוה אלהים על האדם לאמר מכל עץ הגן אכל תאכל ׃
(trg)="b.GEN.2.16.1"> Jehovha Mwari akaraira munhu achiti , Ungadya hako miti yose yomunda ,
(src)="b.GEN.2.17.1"> ומעץ הדעת טוב ורע לא תאכל ממנו כי ביום אכלך ממנו מות תמות ׃
(trg)="b.GEN.2.17.1"> asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya ; nokuti nomusi waunoudya , uchafa zvirokwazvo .
(src)="b.GEN.2.18.1"> ויאמר יהוה אלהים לא טוב היות האדם לבדו אעשה לו עזר כנגדו ׃
(trg)="b.GEN.2.18.1"> Jehovha Mwari akatizve , Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga ; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira .
(src)="b.GEN.2.19.1"> ויצר יהוה אלהים מן האדמה כל חית השדה ואת כל עוף השמים ויבא אל האדם לראות מה יקרא לו וכל אשר יקרא לו האדם נפש חיה הוא שמו ׃
(trg)="b.GEN.2.19.1"> Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango , neshiri dzose dzedenga , akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api ; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu , ndiwo akava mazita azvo .
(src)="b.GEN.2.20.1"> ויקרא האדם שמות לכל הבהמה ולעוף השמים ולכל חית השדה ולאדם לא מצא עזר כנגדו ׃
(trg)="b.GEN.2.20.1"> Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita , neshiri dzedenga , nemhuka dzose dzesango ; asi kwakashaikwa mubatsiri akamukwanira iye munhu .
(src)="b.GEN.2.21.1"> ויפל יהוה אלהים תרדמה על האדם ויישן ויקח אחת מצלעתיו ויסגר בשר תחתנה ׃
(trg)="b.GEN.2.21.1"> Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru , akavata ; akatora rumbabvu rwake rumwe , akadzivira nyama panzvimbo yarwo .
(src)="b.GEN.2.22.1"> ויבן יהוה אלהים את הצלע אשר לקח מן האדם לאשה ויבאה אל האדם ׃
(trg)="b.GEN.2.22.1"> Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu , akaita mukadzi narwo , akamuisa kumunhu .
(src)="b.GEN.2.23.1"> ויאמר האדם זאת הפעם עצם מעצמי ובשר מבשרי לזאת יקרא אשה כי מאיש לקחה זאת ׃
(trg)="b.GEN.2.23.1"> Munhu akati , Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu , nenyama yenyama yangu , uchatumidzwa Mukadzi , nokuti wakabviswa paMurume .
(src)="b.GEN.2.24.1"> על כן יעזב איש את אביו ואת אמו ודבק באשתו והיו לבשר אחד ׃
(trg)="b.GEN.2.24.1"> Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake , anamatire mukadzi wake , vave nyama imwe .
(src)="b.GEN.2.25.1"> ויהיו שניהם ערומים האדם ואשתו ולא יתבששו ׃
(trg)="b.GEN.2.25.1"> Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira , munhu nomukadzi wake , asi havana kunyara .
(src)="b.GEN.3.1.1"> והנחש היה ערום מכל חית השדה אשר עשה יהוה אלהים ויאמר אל האשה אף כי אמר אלהים לא תאכלו מכל עץ הגן ׃
(trg)="b.GEN.3.1.1"> Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari .
(trg)="b.GEN.3.1.2"> Ikati kumukadzi , Nhai , ndizvo here kuti Mwari akati , Regai kudya miti yose yomunda ?
(src)="b.GEN.3.2.1"> ותאמר האשה אל הנחש מפרי עץ הגן נאכל ׃
(trg)="b.GEN.3.2.1"> Mukadzi akati kunyoka , Tingadya hedu michero yemiti pamunda ,
(src)="b.GEN.3.3.1"> ומפרי העץ אשר בתוך הגן אמר אלהים לא תאכלו ממנו ולא תגעו בו פן תמתון ׃
(trg)="b.GEN.3.3.1"> asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda , Mwari akati , Regai kuudya , kana kuubata , kuti murege kufa .
(src)="b.GEN.3.4.1"> ויאמר הנחש אל האשה לא מות תמתון ׃
(trg)="b.GEN.3.4.1"> Nyoka ikati kumukadzi , Hamungafi zviro kwazvo ,
(src)="b.GEN.3.5.1"> כי ידע אלהים כי ביום אכלכם ממנו ונפקחו עיניכם והייתם כאלהים ידעי טוב ורע ׃
(trg)="b.GEN.3.5.1"> nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo , meso enyu achasvinudzwa , mukava saMwari , muchiziva zvakanaka nezvakaipa .
(src)="b.GEN.3.6.1"> ותרא האשה כי טוב העץ למאכל וכי תאוה הוא לעינים ונחמד העץ להשכיל ותקח מפריו ותאכל ותתן גם לאישה עמה ויאכל ׃
(trg)="b.GEN.3.6.1"> Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa , uye kuti unofadza meso , uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu , akatora muchero yawo , akadya , akapawo murume wake , akadya naiyewo .
(src)="b.GEN.3.7.1"> ותפקחנה עיני שניהם וידעו כי עירמם הם ויתפרו עלה תאנה ויעשו להם חגרת ׃
(trg)="b.GEN.3.7.1"> Ipapo meso avo , ivo vaviri , akasvinudzwa , vakaziva kuti havana kusimira ; vakasonanidza mashizha omuonde , vakazviitira nguvo .
(src)="b.GEN.3.8.1"> וישמעו את קול יהוה אלהים מתהלך בגן לרוח היום ויתחבא האדם ואשתו מפני יהוה אלהים בתוך עץ הגן ׃
(trg)="b.GEN.3.8.1"> Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana , munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda .
(src)="b.GEN.3.9.1"> ויקרא יהוה אלהים אל האדם ויאמר לו איכה ׃
(trg)="b.GEN.3.9.1"> Jehovha Mwari akadana munhu , akati kwaari , Uripiko ?
(src)="b.GEN.3.10.1"> ויאמר את קלך שמעתי בגן ואירא כי עירם אנכי ואחבא ׃
(trg)="b.GEN.3.10.1"> Iye akati , Ndakanzwa inzwi renyu mumunda , ndikatya , nokuti ndakanga ndisina kusimira , ndikahwanda .
(src)="b.GEN.3.11.1"> ויאמר מי הגיד לך כי עירם אתה המן העץ אשר צויתיך לבלתי אכל ממנו אכלת ׃
(trg)="b.GEN.3.11.1"> Iye akati , Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira ?
(trg)="b.GEN.3.11.2"> Wakadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya ?
(src)="b.GEN.3.12.1"> ויאמר האדם האשה אשר נתתה עמדי הוא נתנה לי מן העץ ואכל ׃
(trg)="b.GEN.3.12.1"> Munhu akati , Mukadzi wamakandipa kuti ave neni , ndiye wakandipa zvomuti ndikadya .
(src)="b.GEN.3.13.1"> ויאמר יהוה אלהים לאשה מה זאת עשית ותאמר האשה הנחש השיאני ואכל ׃
(trg)="b.GEN.3.13.1"> Jehovha Mwari akati kumukadzi , Chiiko icho chawakaita ?
(trg)="b.GEN.3.13.2"> Mukadzi akati , Nyoka yakandinyengera , ndikadya .
(src)="b.GEN.3.14.1"> ויאמר יהוה אלהים אל הנחש כי עשית זאת ארור אתה מכל הבהמה ומכל חית השדה על גחנך תלך ועפר תאכל כל ימי חייך ׃
(trg)="b.GEN.3.14.1"> Jehovha Mwari akati kunyoka , Zvawaita izvozvo , watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango ; uchafamba nedumbu rako , uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako .
(src)="b.GEN.3.15.1"> ואיבה אשית בינך ובין האשה ובין זרעך ובין זרעה הוא ישופך ראש ואתה תשופנו עקב ׃
(trg)="b.GEN.3.15.1"> Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi , napakati porudzi rwako norudzi rwake , irwo rwuchapwanya musoro wako , newe uchapwanya chitsitsinho charwo .
(src)="b.GEN.3.16.1"> אל האשה אמר הרבה ארבה עצבונך והרנך בעצב תלדי בנים ואל אישך תשוקתך והוא ימשל בך ׃
(trg)="b.GEN.3.16.1"> Kumukadzi akati , Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako , uchabereka vana uchirwadziwa ; kuda kwako kuchava kumurume wako , iye achava ishe wako .
(src)="b.GEN.3.17.1"> ולאדם אמר כי שמעת לקול אשתך ותאכל מן העץ אשר צויתיך לאמר לא תאכל ממנו ארורה האדמה בעבורך בעצבון תאכלנה כל ימי חייך ׃
(trg)="b.GEN.3.17.1"> Kumunhu akati , Zvawakateerera inzwi romukadzi wako , ukadya muti wandakakuraira ndichiti , Usaudya , zvino nyika yatukwa nemhosva yako , uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako ;
(src)="b.GEN.3.18.1"> וקוץ ודרדר תצמיח לך ואכלת את עשב השדה ׃
(trg)="b.GEN.3.18.1"> ichakuberekera minzwa norukato , iwe uchadya miriwo yomusango ;
(src)="b.GEN.3.19.1"> בזעת אפיך תאכל לחם עד שובך אל האדמה כי ממנה לקחת כי עפר אתה ואל עפר תשוב ׃
(trg)="b.GEN.3.19.1"> uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu ; nokuti wakatorwa kwariri .
(trg)="b.GEN.3.19.2"> Zvauri guruva , uchadzokerazve kuguruva .
(src)="b.GEN.3.20.1"> ויקרא האדם שם אשתו חוה כי הוא היתה אם כל חי ׃
(trg)="b.GEN.3.20.1"> Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha ; nokuti ndiye mai vavapenyu vose .
(src)="b.GEN.3.21.1"> ויעש יהוה אלהים לאדם ולאשתו כתנות עור וילבשם ׃
(trg)="b.GEN.3.21.1"> Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguvo dzamatehwe , akavafukidza nadzo .
(src)="b.GEN.3.22.1"> ויאמר יהוה אלהים הן האדם היה כאחד ממנו לדעת טוב ורע ועתה פן ישלח ידו ולקח גם מעץ החיים ואכל וחי לעלם ׃
(trg)="b.GEN.3.22.1"> Zvino Jehovha Mwari akati , Tarirai , munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa ; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu , akadya , akararama nokusingaperi .
(src)="b.GEN.3.23.1"> וישלחהו יהוה אלהים מגן עדן לעבד את האדמה אשר לקח משם ׃
(trg)="b.GEN.3.23.1"> Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni , kuti arime ivhu raakatorwa kwariri .
(src)="b.GEN.3.24.1"> ויגרש את האדם וישכן מקדם לגן עדן את הכרבים ואת להט החרב המתהפכת לשמר את דרך עץ החיים ׃
(trg)="b.GEN.3.24.1"> Naizvozvo akadzinga munhu , akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni , nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose , kurindira nzira yomuti woupenyu .
(src)="b.GEN.4.1.1"> והאדם ידע את חוה אשתו ותהר ותלד את קין ותאמר קניתי איש את יהוה ׃
(trg)="b.GEN.4.1.1"> Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha ; iye ndokutora mimba , akapona Kaini , akati , Ndawana munhu , ndichibatsirwa naJehovha .
(src)="b.GEN.4.2.1"> ותסף ללדת את אחיו את הבל ויהי הבל רעה צאן וקין היה עבד אדמה ׃
(trg)="b.GEN.4.2.1"> Akazoponazve munununa wake Abhero .
(trg)="b.GEN.4.2.2"> Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai , Kaini wakanga ari murimi wevhu .
(src)="b.GEN.4.3.1"> ויהי מקץ ימים ויבא קין מפרי האדמה מנחה ליהוה ׃
(trg)="b.GEN.4.3.1"> Zvino nguva yakati yapfuura , Kaini akauya nezvibereko zvevhu , chive chipo kuna Jehovha .
(src)="b.GEN.4.4.1"> והבל הביא גם הוא מבכרות צאנו ומחלבהן וישע יהוה אל הבל ואל מנחתו ׃
(trg)="b.GEN.4.4.1"> NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo .
(trg)="b.GEN.4.4.2"> Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake ;
(src)="b.GEN.4.5.1"> ואל קין ואל מנחתו לא שעה ויחר לקין מאד ויפלו פניו ׃
(trg)="b.GEN.4.5.1"> asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira .
(trg)="b.GEN.4.5.2"> Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo , chiso chake chikaunyana .
(src)="b.GEN.4.6.1"> ויאמר יהוה אל קין למה חרה לך ולמה נפלו פניך ׃
(trg)="b.GEN.4.6.1"> Ipapo Jehovha akati kuna Kaini , Watsamwireiko ?
(trg)="b.GEN.4.6.2"> Chiso chako chakaunyana nei ?
(src)="b.GEN.4.7.1"> הלוא אם תיטיב שאת ואם לא תיטיב לפתח חטאת רבץ ואליך תשוקתו ואתה תמשל בו ׃
(trg)="b.GEN.4.7.1"> Kana ukaita zvakanaka , haungafari here pachiso chako ?
(trg)="b.GEN.4.7.2"> Kana usingaiti zvakanaka , zvivi zvinokuhwandira pamusuo ; zvichakutsvaka , asi iwe unofanira kuzvikunda .
(src)="b.GEN.4.8.1"> ויאמר קין אל הבל אחיו ויהי בהיותם בשדה ויקם קין אל הבל אחיו ויהרגהו ׃
(trg)="b.GEN.4.8.1"> Zvino Kaini wakataurirana nomunununa wake Abhero ; vakati vari kusango , Kaini ndokumukira Abhero munununa wake , akamuuraya .
(src)="b.GEN.4.9.1"> ויאמר יהוה אל קין אי הבל אחיך ויאמר לא ידעתי השמר אחי אנכי ׃
(trg)="b.GEN.4.9.1"> Ipapo Jehovha akati kuna Kaini , Arikupiko Abhero , munununa wako ?
(trg)="b.GEN.4.9.2"> Iye akati , Handizivi , ndini mufudzi womunununa wangu here ?
(src)="b.GEN.4.10.1"> ויאמר מה עשית קול דמי אחיך צעקים אלי מן האדמה ׃
(trg)="b.GEN.4.10.1"> Akati , Waiteiko ?
(trg)="b.GEN.4.10.2"> Inzwi reropa romunununa wako rinodaidzira kwandiri panyika .
(src)="b.GEN.4.11.1"> ועתה ארור אתה מן האדמה אשר פצתה את פיה לקחת את דמי אחיך מידך ׃
(trg)="b.GEN.4.11.1"> Zvino watukwa , wadzingwa panyika , iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romunununa wako paruoko rwako ;
(src)="b.GEN.4.12.1"> כי תעבד את האדמה לא תסף תת כחה לך נע ונד תהיה בארץ ׃
(trg)="b.GEN.4.12.1"> kana uchirima ivhu , haringakupi simba raro ; uchava mutizi nomudzungairi panyika .
(src)="b.GEN.4.13.1"> ויאמר קין אל יהוה גדול עוני מנשא ׃
(trg)="b.GEN.4.13.1"> Ipapo Kaini akati kuna Jehovha , Kurohwa kwangu kukuru , handingakutakuri .
(src)="b.GEN.4.14.1"> הן גרשת אתי היום מעל פני האדמה ומפניך אסתר והייתי נע ונד בארץ והיה כל מצאי יהרגני ׃
(trg)="b.GEN.4.14.1"> Tarirai , mandidzinga nhasi panyika ino , ndichavanda pamberi penyu ; ndichava mutizi nomudzungairi panyika ; ani naani anondiwana achandiuraya .
(src)="b.GEN.4.15.1"> ויאמר לו יהוה לכן כל הרג קין שבעתים יקם וישם יהוה לקין אות לבלתי הכות אתו כל מצאו ׃
(trg)="b.GEN.4.15.1"> Jehovha akati kwaari , Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe .
(trg)="b.GEN.4.15.2"> Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo , kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya .
(src)="b.GEN.4.16.1"> ויצא קין מלפני יהוה וישב בארץ נוד קדמת עדן ׃
(trg)="b.GEN.4.16.1"> Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha , akandogara panyika yeNodhi , kumabvazuva kweEdheni .
(trg)="b.GEN.4.16.2"> Vana vaKaini
(src)="b.GEN.4.17.1"> וידע קין את אשתו ותהר ותלד את חנוך ויהי בנה עיר ויקרא שם העיר כשם בנו חנוך ׃
(trg)="b.GEN.4.17.1"> Kaini akaziva mukadzi wake , akatora mimba , akapona Enoki ; akavaka guta , akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki .
(src)="b.GEN.4.18.1"> ויולד לחנוך את עירד ועירד ילד את מחויאל ומחייאל ילד את מתושאל ומתושאל ילד את למך ׃
(trg)="b.GEN.4.18.1"> Enoki akaberekerwa Iradhi ; Iradhi akabereka Mehujaeri ; Mehujaeri akabereka Metushaeri ; Metushaeri akabereka Rameki ;
(src)="b.GEN.4.19.1"> ויקח לו למך שתי נשים שם האחת עדה ושם השנית צלה ׃
(trg)="b.GEN.4.19.1"> Rameki akawana vakadzi vaviri , zita romumwe rainzi Adha , zita romumwe rainzi Zira .
(src)="b.GEN.4.20.1"> ותלד עדה את יבל הוא היה אבי ישב אהל ומקנה ׃
(trg)="b.GEN.4.20.1"> Adha akapona Jabhari ; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo .